Isaiah 64

1Haiwa, dai maibvarura matenga mukaburuka pasi,
kuti makomo adedere pamberi penyu!
2Sezvinoita moto paunopisa tsotso
uchiita kuti mvura ivire,
burukai muzoita kuti zita renyu rizivikanwe kuvavengi venyu,
uye muite kuti ndudzi dzidedere pamberi penyu!
3Nokuti pamakaita zvinhu zvinotyisa zvatakanga tisina kutarisira,
makaburuka pasi, makomo akabvunda pamberi penyu.
4Kubva panguva dzekare hakuna munhu akanzwa,
hakuna nzeve yakanzwisisa,
hakuna ziso rakaona mumwe Mwari kunze kwenyu,
anobatsira avo vanomumirira.
5Munouya kuzobatsira avo vanofarira kuita zvakarurama,
vanorangarira nzira dzenyu.
Asi patakaramba tichivatadzira,
imi makatsamwa.
Zvino tingaponeswa seiko?
6Isu tose tafanana nousina kuchena,
uye mabasa edu ose okururama afanana namamvemve enguo dzine tsvina;
isu tose tinooma seshizha,
semhepo zvivi zvedu zvinotitsvairira kure.
7Hakuna anodana kuzita renyu
kana anoshingairira kuti akubatei;
nokuti makativanzira chiso chenyu mukaita
kuti tiperezeke nokuda kwezvivi zvedu.
8Haiwa, Jehovha, kunyange zvakadaro muri Baba vedu.
Isu tiri ivhu, imi muri muumbi;
isu tose tiri basa ramaoko enyu.
9Regai kutsamwa zvikuru imi Jehovha;
regai kurangarira zvivi zvedu nokusingaperi.
Haiwa Jehovha, ringirai kwatiri, tinokumbira,
nokuti tose tiri vanhu venyu.
10Maguta enyu matsvene ava renje;
kunyange Zioni irenje, Jerusarema rava dongo.
11Temberi yedu tsvene inobwinya, umo madzibaba edu akakurumbidzai,
yakapiswa nomoto,
uye nzvimbo dzose dzataikoshesa dzaparara.
12Haiwa Jehovha, mushure maizvozvi mungazvidzorawo here?
Mucharamba munyerere, uye mugotiranga zvinopfuura mwero here?
Copyright information for SnaBDSC